KUGADZIRA MUDZIMU - CHENURA

Описание к видео KUGADZIRA MUDZIMU - CHENURA

Chenura inzwi rinotaura kuganhurwa kwemepo dzisingadiwi mumatare edu. Chenura inogona kuve yemusha kana kuti yehomwe.
Zvino sei vamwe vachiti handina kuenda kuna sahwira pachenura asi zvinhu zvangu zvakafamba; asi ukuwo kune vanhu vakuita sekuti vachapedza madzisahwira ese asi nanhasi zvinhu zvavo hazvisi kufamba. Vazama zvese zvinoitwa nevamwe asi matare achiri matema.
Wopinda mudare rino, unongonzwa pachitaurwa nhau imwe cheteyo kuti uri kutevererwa nemhepo isina kunaka. Woshaya kuti dare rako richachena rini.
Nhau iripo haisi yekuti mudzimu unenge uchikuregerera, asi kuti hushereketwa huri mumhuri hunosiyana. Uye kana vanhu vachishereketera mudzimu mukuru, vanoshereketawo pakuru, zvinozonetsa kugadzirisa. Hakuna munhu angapedzera mbambo padehwe reshindi.
Saka kugadzirisa pakashereketwa zvikuru kunenge kwodawo sahwira ane mudzimu nemashavi akasimba anokudubura hushereketwa uhwu. Izvi ndizvo zvinozotipedzera nguva. Uyezve mhepo dzakaipa dzinogona kukutungamira kwadzinoziva kuti hazvinofambi. Apa panotoda kushinga. Hazvidi kuora moyo.
Ngatirambei takashinga nekuti vanoshereketa, vanoromba, vanoroya nevanegodo havazorori. Toramba tichingokumbirira kuti vadzimu varwise, vatisvitse pazumbuko.

Комментарии

Информация по комментариям в разработке