Ini ndinokurumbidzai Mambo

Описание к видео Ini ndinokurumbidzai Mambo

Ini ndinokurumbidzai Mambo- Mr A. Mafukidze

M: Ini ndinokurumbidzai Mambo
V: Nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu.

1. Ini ndinokurumbidzai Mambo nomwoyo wangu
wose, nokuti wakatarisa netsiye nyoro muranda-nhando wake.
2. Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi, nokuti Samasimba wakandiitira zvinhu
zvikuru. Zita rake rinoera.
3. Anonzwira tsitsi avo vanomutya,
kubvira chizvarwa nechizvarwa.
4. Anoita zvina masimba noruoko rwake,
anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwo-
yo yavo.
5. Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo,
achisimudzira vanhunhando.
6. Vane nzara anovagutisa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi anovaendesa vasina.
7. Wakabatsira Israere muranda wake, sezvaakatsidzira vadzibaba vedu.
8. Akayeukawo tsitsi dzake kunaAbrahama nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi

Luke 1. 47-55

Комментарии

Информация по комментариям в разработке