Onai Taungana Pano

Описание к видео Onai Taungana Pano

Onai Taungana Pano - A.R Augusto

M: S/A Onai taungana pano isu vana venyu
V: S/A Mune tsitsi Nyadenga muridzi wepasii --- kuzoperekedza mwana wenyu nokumusvitsa muregerereiwo zvose zvaakuta-adzirai muchimupinza mumusha wenyu worufaro
B Mwari Baba Nyadenga muridzi wapasi taunganaa mwana wenyu nokumusvitsa kwamuuri --- zvose zvaakakutadzirai muchimupinza mumusha wenyu worufaro

Part 1:
Madetembo:
1. Ndimi mamudaidza ndimi mamubvisa matiri
2. Kusave nekumwe kwaanganogara asi panemi ndimi mamubvisa matiri
3. Chimugamuchirai achigara nemi muridzi wake, ndimi mamubvisa matiri

Chorus:
S/A Munzwireiwo tsitsi musamutongee, musamurangewo Mambo mukatiranga sazvatinofanira kuitwa ndiani ndiani angapunyuke
B -- Tsitsi musamutonge muine hasha -- Mambo mukatitonga nekutiranga kuitwa ndiani-ii angapunyuke

Part 2:
Madetembo:
1. Mukati muronderodze kutadza kwedu zvichemo zvedu hamungazvinzwi imii
2. Maziso edu azere misodzi misodzi yedu mungaishaire hanya imii
3. Mwari moyo wenyu moyo wenyu uzere tsitsi imii

Chorus:
S/A Kudaro Baba-a mwana wenyu mumusha wenyu-u worufaroo nokufara-a hama dzitateguru ake ose nehama dzakee hama dzake, dzose
B -- Chipinzaai -- mumushawenyu-u agogara navasande vose namadzitateguru ake ose nehama dzake hama dzake dzose

About Video: Requiem Mass of Fr Ignatius Zvarevashe S.J at St Francis Xavier Catholic Church Braeside Parish.

Комментарии

Информация по комментариям в разработке